歌詞
Jerusarema, Musha wakanakisa
Jerusarema, Musha wakanakisa
Kana ndapedza mabasa epano panyika
Kana ndikafamba nashe Ndichasvika 'yo
Ndichafara kuenda, Kune musha mutsvene
Ndichafara kuenda, Kune musha mutsvene
Hakuna kuchema, hakuna nenhamo
Hakuna zvirwadzo kune rugare
Hakuna zvitadzo, hakuna nerufo
Hakuna zvirwere, kune rugare
Refrain
Kuzere rufaro, kuzere kuimba
Kuzere upenyu kune rugare
Kuzere upfumi, kuzere ndarama
Kuzere kupenya, kune rugare
音樂風格